Psalms 74

Masikiri raAsafi.

1Haiwa Mwari, makatirambireiko nokusingaperi?
Kutsamwa kwenyu kwapfungairireiko pamusoro pamakwai anofudzwa nemi?
2Rangarirai vanhu vamakatenga kare,
rudzi rwenhaka yenyu, ivo vamakadzikinura,
Gomo reZioni, pamaigara.
3Dzorai nhambwe dzenyu mutarise matongo asingaperi,
kuparadza ikoku kwose kwakauya nomuvengi pamusoro penzvimbo yenyu tsvene.

4Vavengi venyu vakaomba panzvimbo yamakasangana nesu;
vakamisa mireza yavo sechiratidzo.
5Vakaita savanhu vanosimudza matemo
kuti vateme dondo remiti.
6Vakaputsa zvose zvakavezwa
namatemo avo nembezo.
7Vakapisira pasi nzvimbo yenyu tsvene;
vakamhura ugaro hweZita renyu.
8Vakati mumwoyo yavo, “Tichavaputsa zvachose!”
Vakapisa nzvimbo dzose dzokunamatira Mwari munyika.
9Hatichaoni zviratidzo zvinoshamisa;
hakuna muprofita akasara,
pakati pedu hapana munhu anoziva kuti zvicharamba zvakadaro kusvikira rini.

10Haiwa Mwari, muvengi acharamba achikushorai kusvikira riniko?
Ko, muvengi acharamba achimhura zita renyu nokusingaperi here?
11Munodzoserereiko ruoko rwenyu shure, irwo ruoko rwenyu rworudyi?
Rubvisei pamupendero wenguo yenyu muvaparadze!

12Asi imi, iyemi Mwari, ndimi mambo wangu kubva nakare;
imi munouyisa ruponeso panyika.
13Ndimi makaganhura gungwa napakati nesimba renyu;
makaputsa misoro yechikara chomumvura.
14Ndimi makapwanya misoro yaRevhiatani,
mukamuita chokudya chezvisikwa zvomugwenga.
15Ndimi makazarura zvitubu nehova;
mukapwisa nzizi dzaigara dzichierera.
16Zuva nderenyu, uye usiku ndohwenyuwo;
makasimbisa zuva nomwedzi.
17Ndimi makatara miganhu yose yenyika;
mukaita zvose zhizha nechando.

18Rangarirai kuti muvengi akakushorai sei, imi Jehovha,
uye kuti mapenzi akamhura sei zita renyu.
19Regai kuisa upenyu hwenjiva yenyu kumhuka dzesango;
regai kukanganwa nokusingaperi upenyu hwavanhu venyu vanonetswa.
20Ivai nehanya nesungano yenyu,
nokuti mweya wokurwisana wazadza nzvimbo dzerima munyika.
21Musarega vakadzvinyirirwa vachidududza shure nenyadzi;
varombo navanoshayiwa ngavarumbidze zita renyu.

22Simukai, imi Mwari, mutsigire mhaka yenyu;
rangarirai kuti mapenzi anokushorai sei zuva rose.
23Regai kushayira hanya ruzha rwavadzivisi venyu,
bope ravavengi venyu, rinoramba richikwira.
Copyright information for SnaBDSC